Mapombi’s letter to Sir Wicknell

 

Like many Zimbabweans, Mapombi has joined the bandwagon in publicly writing to Sir Wicknell following the current galore where cars are falling like confetti kkk, manna from heaven. Sevamwe, ndiri kutogarawo ndakageza in case I am called to go and see Victor sevana vevamwe, asi in handikumbiri sechanana checreche zviri kuita rimwe team renyu iro. I have decided to write this letter kumbinga yenyika, yadai kusiya vazhinji vave nemota mbiri mbiri nhatu nhatu, sevachafamba vakati gumbo mune imwe rimwe mune imwe.

Before I get carried away nekuvhukunura nyaya dzanaChamisa nevamwe vake dzisina musoro like usual, let me go straight into what pushed me to write this letter. I hope this letter finds you well muzvinamari yenyika vaChivayo imizve makatsika nzou ikarutsa. Before I go any further I am also appealing to those who have access to you like VaMashwede vepedu pano paChivi apa vatakanzwa kuti ndivo chireranherera wenyu; vandibatsireiwo kusvitsa mwadhi yangu iyi. Shona inoti chirere chigokurerawo, pamwe maikurudzirawo wamakarera kuti abatsire zvipatara zvekwaChivi vuno kwenyu, where some women are walking distances anodarika kuma30km to go kunobatsirwa to the nearest clinic. Zvisinei, mwadhi yangu VaChivayo haisi yekutuka zvayo asi kutokumbira. We all know munhu haaudzirwe zvekuita nemari yake, and I also believe that your generosity proves that you are a good person who cares for at least those who he cares for, meaning humanity munayo zvenyu. While we are in the spirit of celebrating and rewarding our artists, ndaiti dai tarangarirawo mumwe wevaimbi vedu whose untimely death left us all heartbroken, Garry wekuno kwedu Masvingo. Pfungwa dzangu dzinondiudza kuti had our hospitals been well equipped we could be talking something else. Hongu, hapana akambobata rufu nemaoko, asi dai zvikwanisiro zvaivapo taichemawo netariro. Another heart-breaking incident was when we lost a young doctor in Manicaland due to unavailability of life-saving facilities. These are just a few cases auya mumusoro mangu. Ahh, ini zvakandibaya moyo ini VaChivayo ndisingaziviwo imi. Zuro uno ndakambopfuurawo nekumaward ekuMasvingo General Hospital ndichitoona hangu varwere varere mumaward ane mawindow akawira panze, idzo mosquito dzichiita hadzo party navo. Ko idzo mari dzinodiwa dzematests nemishonga kana warwarirwa mufunge henyu VaChivayo? Maprivate lab anoida zhinji mari. Unotoona kuti chokwadi kurwara yava kuita seluxury muZimbabwe. Nerimwe divi it is almost being sentenced to death because nevuchira hwekumageneral hospitals huya chero masoja emuviri anoshaya motivation yekurwa. You wouldn’t know zvenyu because you will never find yourself at our public health facilities mune mari dzenyu ka imi but ruzhinji rwuya runozara kumarally ndokwavanoponera. Akanzi adonha mu1 of the lorries aya anoshandiswa nemusangano wenyu kuvatuta kuuya kurally they will find themselves iko kuzvipatara izvozvo. But if you look at it, tumwe twezvinhu turi kudiwa at these hospitals for them to look decent hazvimbodi mari yakawanda mufunge. NeAcqua one chaiyo lives would be changed, and the low income and marginalized populace kunova ndiko kunowana musangano wenyu wamunoda chaizvo weZanu PF mavotes, will forever be grateful. The old lads who come to Zanu rallies are the ones who are suffering when they or their family members get sick. Maingoti Masvingo oyi mota yenyu iyi, totoitengesa togadzirisa one or two pachipatara, zvizamei muone. We know you are in close proximity to the first family, ehe papi pacho pamungangoita zvamuri kuita izvi without their blessing, I hear kuti Exquisite ndeyevene wani, and so we believe kuti philanthropy yenyu neyaMai should mean something. We know that you do not have to be afraid of donating anything to anyone like others vanozonzi ndeveregime change agenda, so your donations are not as scrutinized navaED nevamwe vavo vaya vatinotya seruzhinji rweZimbabwe. Ndamboti tsamba iyi haisi yekutuka, asi pamwe pacho it is difficult to express myself regarding the obtaining situation in our country without getting angry. Hongu mari yemagetsi tongonzwa kunzi pane imwe isina kuzofamba zvakanaka between you and ZPC, asi taingoti pashoma iyoyo yasara vakoti nemachiremba edu who are leaving in droves kuenda kune dzimwe nyika vaonewo value mukugara muno muZimbabwe, kana dai maigona kupindirawo ipapo. Ini hangu ndinogara kuChitima as a vagabond asi ndinotorwadziwawo nekushainirwa nekununirwa muromo nemari yenyika inofanirwa kuita benefit tose, that is why ndichizobuda musaga kudai. Ikozvino zvekare, we are going to have many who will need the services of those hospitals, vaya varikuputsirwa misha nehurumende vachinzi maillegal settlers, maBP akakwira izvozvi. Tinonzwa kuti varungu vaya vekubviswa nehondo yeminda varikuda kuripwa mushure mekunge peri-urban land yatengeswa through a particular bank at high rates, ndosaka vanhu vari kudzingwa, asika those being evicted are people who require shelter and other facilities sezvamunongoitawo imi nemhuri yenyu kumansion kwenyu ikoko. Pashoma iyoyo yasara padzimota paya you could assist mabiyenyu who are in power, ivo Baba Two chaivo to see the plight of these people because musha uri kusviba uyu. Kune dzimwe nzvimbo where people were displaced under the current operation right now kutaura zvemusangano weZanu kwaakuita kunge kutaura zvinyadzi, vulgar chaiyo, vanhu havachadi kana kuzvinzwa. Rangariraika kuti the land issue is a controversial issue chero Ba Bona yaivatemesa musoro, so inoda a delicate approach. Saka kwamuri Sir Wicky, I just want to advise you kuti ehe mota ipai vamunoda henyu asi cheukai rudhende runoita kuti vamuri kuita reward on behalf of vasaita matambudziko. I heard ZACC is after you, questioning where you get your money, which you said does not bother you, but mukabatsira kuvaka nyika ndinoona zvichiita zvakanaka. Inga munoti nyika inovakwa nevene vayo wani. All these spineless artists who you are rewarding havana kwavo vaya, and you can never say you have loyal friends in them, chavo kungoda mukana wekudya. It’s not like Mapombi is jealousy or anything but ini ndiri gentleman handivanzi. Vanoenda kwaenda mhepo vaya, and honestly, it is not their fault. Also, kutovatengera dzimota ikoko might be detrimental to their careers in the long run. Handiporofiti hangu like zvinoitwa kuchurch kwenyu where you were told you were going to be a billionaire but pandinoreva batai manzwi. A lot has been said about your wealth, and however you acquired it kungwara kwenyu, but may you please stop gaslighting Zimbabweans into thinking that they are not working hard enough because that is clearly an insult. Tiri kuedzawo zvichiramba, because the environment is just not conducive for anyone but a chosen few to succeed. Look at how the young have relegated themselves kumutoriro and other dangerous drugs, vana varikurwadziwa. Zimbabwe is very far from being open for business. I know Mthuli Ncube disagrees with this but he is a denialist of note, tovaziva nekunyeba baba vaya.

Handizivi, I want to ask you if you have ever heard paya panonzi nevanhu vekuparty kwenyu kuZanu pfee musangano wakasimbira kumasero? Do you ever ask kuti who constitutes masero acho? Ndivoka vanhu ivavo vanopihwa machicken inn nemaPepsi vototi tsepete tsepete. Ivavo ndovanhu vekuti chero mukati mota yake yake hatinyanyi kushora, kungoti zvinogona kuzorwisana neMweya. Sometimes those people want more, vopihwa mbeu nechibage, pamwe vanopihwa rice, but one thing I want to assure you is that one day their stomachs will start grumbling nenzara, and the sounds will grow louder and louder until they suddenly stop because they would have eaten those in power. I am not trying to scare you or kukushuridzirai but chisingaperi chinoshura, kana muchiti ndinonyepa bvunzai mubiyenyu Dr Gire. Ehe I know that she is still enjoying the proceeds of her late husband Bhobho’s thievery, but with side eyes. What I am trying to say Sir is that while you may have amassed wealth through whatever means, mukabatsira nyika yenyu pazvipatara, migwagwa nezvimwe, maizoita kumhanya kushoma paya pazvinenge zvaipa, mafriends anowanda. Ali Bongo paGuinea apo akazokumbira vanhu to make noise zvashata but people instead laughed at him, and zviri zvaGaddafi paLybia hatichatauri. Maybe you will manage to build good relations with the incoming establishment after this one, maybe not, asi akubaira zanhi ndewako. Sezvandamboisa disclaimer before, munhu haaudzirwi what to do with their wealth, kungorevawo sezvo mafun’afun’a achiti ndeyenyika yamakangowana matorero ane hungwaru badzi.

Ini let me go ndindokanga maputi angu for lunch ndakamirira kunzwa kunzi Masvingo warangarirwa, Sir vaburukira muguta redu, michina yanga isipo.yavakuiswa paGeneral Hospital apo. Bva kana imi muchigona kungopa mota you can give one to Mapombi and see what she will do nayo. Chimwe chikumbiro changu ndechekuti mukaona VaMphoko muudzwe pavakasiira project yezvitiyo muisimudzire, nyika ibudirire. Ndini wenyu murudo murudo Mapombi Adonha.

 

 

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *