Murume wemuRugare odonha nyama ari mupenyu
MURUME anogara mumusha weRugare muHarare anoti atambura nehurwere hwakatanga mushure mekunge aita tsaona kunyika yeUganda mugore ra2010 izvo zvave kuona nyama dzepamuviri wake dzichidonha.
VaPatrick Tawanda Sibanda (42) vanoti vakaita tsaona muna2010 apo vaityaira motokari vari kuUganda.
Vanoti patsaona iyi, vakabva vadambuka musana.
“Ndakaita tsaona ndichityaira motokari ndiri pabasa kuUganda apo ndaishandira imwe kambani yemuno. Ndakapinda muzvipatara zvakasiyana ndichibatsirwa asi kubva ipapo muviri wangu hauna kumboita zvakanaka, ndinogara ndakarara mumba,” vanodaro VaSibanda.
Vanoti muviri wavo wose angova maronda uyewo nyama yava kungodonha pasi vakatarisa.
“Ndakakuvara, kambani yandaishandira ikandibhadhara US$50 000 iyo imwe yacho ndakawedzeresa kuvaka imba yangu uye imwe ndikaedzawo kuzvirapisa. Asi zvinodiwa zvacho zvakawandisa uyewo zvinodhura, ndinorarama ndakaiswa machubhu ekuitisa weti netsvina. Pane nyanzvi dzezveutano dzinondibatsira kundishambidza nekugeza maronda zuva roga roga asi zvinoda mari yakawanda zvikuru,” vanodaro VaSibanda.
Murume uyu, uyo asina kuroora uyewo asina mwana, ari kugara naamai vake vachimupepa hurwere hwake sezvo baba vake vakashaikawo kare.
“Ndasvitsa makore gumi nemashanu ndakarara pasi kudai. Dambudziko rekudonha nyama kubva pamuviri pangu rakatanga mwedzi mitatu yadarika uyewo ndava munhu ava kugara achiita manyoka, ndinopfekedzwa mapamper. Chikafu handidye chese-chese, ndinoda kudya kwakapfava uko ndava kushaya,” vanodaro VaSibanda.
Mbuya Evangelista Fungai (73), vanova amai vemurume uyu, vanoti vatambura nehurwere hwemwana wavo.
“Dambudziko remwana wangu anova wechina pakuberekwa ratora nguva refu. Semunhu asina kumbobvira akaroora uye asinawo mwana, ini ndinogara naye pamba pake ndichimupepa. Baba vakashaika mugore ra1995, zvose zvirwere zvamumomotera, haafambe uyewo anogara achirutsa. Vamwe vana vangu hapana anouya kuzomuona kana kutaura naye panhare neni hapana,” vanodaro Mbuya Fungai.
Vanoti vakatsvaga vashandi vaviri vanobatsira pakushambidza mwanakomana wavo.
“Machiremba vari kuedza nepavanogonera asi dambudziko ravapo mari hapasisina yekubhadhara machiremba nekutenga zvinodiwa zvakaita semapamper, donje, mishonga nezvimwe. Pamba pano chaipo hapasisina mvura yakavharwa nekuda kwezvikwereti uyewo magetsi akavharwa zvakare. Vashandi vaviri ava vanodawo US$300 pamwedzi,” vanodaro Gogo Fungai.
Mbuya Fungai vanoti pari kudiwa mari inosvika US$1 500 yekuti vabhadhare mvura nemagetsi.
Maroja ose epamba pavo vanoti akatiza nenyaya yekushaikwa kwemvura nemagetsi.
Mbuya Fungai vanotiwo kare, mwanakomana wavo uyu asati ave kurwara, hushirikadzi vaisambohuona sezvo aivachengeta zvakanaka chose.
Blessing Ganyiwa (26), mumwe wevanobatsira kushambidza murwere uyu, anotiwo: “Imwe nguva tinoshaya zvekushandisa zvinokwanira izvo zvinopesana nezvinokurudzirwa pahutsanana. Nyama yavanodonha pamuviri tinotora tichirasa mumabhini kana kucherera pasi.”
_____